Mapisarema 10:13-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Munhu akaipa anozvidzireiko Mwari? Seiko achiti mumwoyo make, “Haazondibvunzi?”

14. Asi imi, iyemi Mwari, munoona kutambudzika nokusuwa; munokutarisisa kuti mukupedze. Asina simba anozviisa kwamuri; muri mubatsiri wenherera.

15. Vhunai ruoko rwowakaipa norwomunhu akaipa; ngaazvidavirire pazvakaipa zvake zvakanga zvisingazoonekwi.

16. Jehovha ndiye Mambo nokusingaperi-peri; ndudzi dzichaparara munyika yake.

17. Munonzwa henyu, imi Jehovha, zvishuvo zvavanotambura; munovakurudzira, uye munoteerera kuchema kwavo,

18. muchiruramisira nherera nevakamanikidzwa, kuti munhu wenyika, arege kuramba achingovhundutsa.

Mapisarema 10