Mako 9:15-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Vanhu vose pavakangoona Jesu, vakashamiswa zvikuru uye vakamhanya kundomukwazisa.

16. Akati, “Muri kuvabvunzeiko?”

17. Mumwe murume aiva pakati pavanhu vazhinji akapindura akati, “Mudzidzisi, ndauya kwamuri nomwanakomana wangu, akabatwa nomweya wakamupa umbeveve.

Mako 9