Mako 3:30-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

30. Akataura izvozvo nokuti vakanga vachiti, “Ano mweya wakaipa.”

31. Ipapo mai vaJesu navanun'una vake vakauya. Vakatuma munhu kundomudana ivo vamire panze.

32. Vazhinji vakanga vagere vakamukomberedza, uye vakamuudza kuti, “Mai venyu navanun'una venyu vari kukutsvakai panze.”

33. Iye akati, “Vanamai vangu navanun'una vangu ndivanaaniko?”

Mako 3