Mako 14:37-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

37. Ipapo akadzokazve kuvadzidzi vake akavawana vavete. Akati kuna Petro, “Wavata here? Wanga usingagoni kurinda kwenguva imwe here?

38. Rindai uye munyengetere kuti murege kuwira mumuedzo. Mweya unoda hawo, asi muviri hauna simba.”

39. Akaendazve kundonyengetera zvimwe chetezvo.

40. Paakadzoka, akawanazve vavete, nokuti meso avo akanga aremerwa nehope. Havana kuziva chokutaura kwaari.

Mako 14