Mako 14:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino kwakanga kwangosara mazuva maviri kuti Pasika noMutambo weChingwa Chisina Mbiriso zviitwe, uye vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakanga vachitsvaka nzira yokuti vasunge Jesu nayo uye kuti vamuuraye.

2. Vakati, “Asi kwete panguva yoMutambo, kuti vanhu varege kuita bope.”

3. Uye paakanga ari muBhetani, agere pakudya mumba momumwe murume ainzi Simoni waMaperembudzi, mumwe mukadzi akauya nechinu chamafuta earabhasita, mafuta anokosha kwazvo, akanga akaitwa nenaridho yakaisvonaka. Akaputsa chinu akadururira mafuta mumusoro wake.

4. Vamwe vakanga varipo vakanga vachitaura vakatsamwa pakati pavo vachiti, “Seiko vachitambisa mafuta aya kudai?

5. Angadai atengeswa nomutengo uno mubayiro kupfuura wegore rose, uye mari yacho yapiwa kuvarombo.” Uye vakatsiura mukadzi uyu nehasha.

6. Jesu akati kwavari, “Musiyei akadaro. Munomunetsereiko? Aita chinhu chakanaka kwandiri.

7. Varombo munavo nguva dzose, uye munogona kuvabatsira panguva ipi zvayo yamunoda. Asi hamuzogari muneni nguva dzose.

8. Aita zvaanogona. Adururira mafuta anonhuwira pamuviri wangu zvichigere kusvika, kuti agadzirire kuvigwa kwangu.

9. Ndinokuudzai chokwadi, kwose kunozoparidzwa vhangeri panyika yose, zvaaita izvi zvicharehwawo, vachimurangarira nazvo.”

10. Ipapo Judhasi Iskarioti, mumwe wavane gumi navaviri, akaenda kuvaprista vakuru kuti andotengesa Jesu kwavari.

11. Vakafara kunzwa izvi uye vakavimbisa kumupa mari. Saka akamirira mukana wokumuisa kwavari.

12. Pazuva rokutanga roMutambo weChingwa Chisina Mbiriso, zvayakanga iri tsika yavo yokubayira gwayana rePasika, vadzidzi vaJesu vakamubvunza vakati, “Munoda kuti tiende kupi kwatingandokugadzirirai Pasika kuti mudye?”

13. Saka akatuma vadzidzi vake vaviri akati kwavari, “Endai muguta, uye muchasangana nomurume akatakura chirongo chemvura. Mumutevere.

Mako 14