Mako 12:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino akatanga kutaura navo nemifananidzo achiti, “Mumwe murume akasima munda wemizambiringa. Akaukomberedza noruzhowa, akachera gomba rechisviniro chewaini uye akavaka shongwe yokurinda. Ipapo akauchengetesa kuvarimi uye akaenda parwendo.

2. Pakukohwa akatuma muranda kumuchengeti womunda kuti andotora kwavari zvimwe zvemichero yomunda wemizambiringa.

3. Asi vakamubata, vakamurova vakamudzosa asina chinhu.

Mako 12