28. Vakati, “Unoita zvinhu izvi nesimba ripiko? Uye ndiani akakupa simba rokuita izvi?”
29. Jesu akapindura akati, “Ndichakubvunzai mubvunzo mumwe chete. Ndipindurei, uye ini ndigokuudzai simba randinoita naro zvinhu izvi.
30. Rubhabhatidzo rwaJohani, rwakabva kudenga kana kuti kuvanhu? Ndiudzei!”
31. Vakataurirana pakati pavo vakati, “Kana tikati, ‘Kudenga,’ achati, ‘Zvino makaregereiko kumutenda?’