Mabasa Avapostori 7:58-60 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

58. vakamuzvuzvurudzira kunze kweguta vakatanga kumutaka namabwe. Uye, vaya vaiva zvapupu vakandoisa nguo dzavo patsoka dzejaya rainzi Sauro.

59. Vachiri kumutaka namabwe, Sitefani akanyengetera, akati, “Ishe Jesu, gamuchirai mweya wangu.”

60. Ipapo akapfugama namabvi ake akadanidzira achiti, “Ishe, musavapa mhosva yechivi ichi.” Akati ataura izvi, akavata.

Mabasa Avapostori 7