Mabasa Avapostori 5:16-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Vanhu vazhinji zhinji vaibva mumaguta akapoteredza Jerusarema vakaunganawo, vakauya navarwere vavo navaya vaitambudzwa nemweya yakaipa, uye vose vakaporeswa.

17. Ipapo muprista mukuru navamwe vose vaaiva navo, avo vakanga vari nhengo dzebato ravaSadhusi, vakazadzwa negodo.

18. Vakasunga vapostori vakavaisa mujeri.

19. Asi mutumwa waShe akauya usiku akazarura mukova wejeri akavabudisa,

20. akati, “Endai, munoudza pamavazhe etemberi, mundoudza vanhu mashoko ose oupenyu hutsva uhu.”

Mabasa Avapostori 5