Mabasa Avapostori 23:22-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Mukuru wavarwi akaita kuti jaya iri riende uye akamuyambira achiti, “Usaudza munhu kuti wataura izvi kwandiri.”

23. Ipapo akadana vakuru vezana vaviri akavarayira achiti, “Gadzirirai mazana maviri avarwi, navanotasva mabhiza makumi manomwe uye mazana maviri avarume vane mapfumo kuti vaende kuKesaria nenguva dzepfumbamwe manheru.

24. Mutsvakirewo Pauro bhiza rokutasva kuitira kuti andosvika zvakanaka kuMubati Ferikisi.”

25. Akanyora tsamba yaiti:

26. Kiraudhio Risia,Kuna Changamire, Mubati FerikisiKwaziwai.

27. Murume uyu akabatwa navaJudha uye vakanga voda kumuuraya, asi ini ndakabva ndasvika navarwi vangu ndikamununura, nokuti ndakanga ndanzwa kuti muRoma.

28. Ndakada kuziva kuti sei vakanga vachimupomera mhosva, saka ndikamuendesa kuDare ravo Guru.

29. Ndakaona kuti aipomerwa mhosva pamusoro pamashoko omurayiro wavo, asi pakanga pasina mhosva ingafanira rufu kana kupfigirwa mutorongo.

30. Pandakanyeverwa pamusoro perangano yaakanga arongerwa, ndakabva ndamutumira kwamuri pakarepo. Ndakazivisawo vapomeri vake kuti vazosvitsa kwamuri mhosva yavanomupomera.

31. Saka varwi vakaita sezvavakanga varayirwa, vakatora Pauro vakaenda naye usiku vakandosvika naye kuAndipatirisi.

32. Zuva rakatevera, vakarega vamabhiza vachienda naye, ivo vachibva vadzokera kudzimba dzavarwi.

33. Vatasvi vamabhiza vakati vasvika kuKesaria, vakapa tsamba kumubati ndokubva vaisa Pauro mumaoko ake.

Mabasa Avapostori 23