Mabasa Avapostori 2:5-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Zvino muJerusarema maigara vaJudha vaitya Mwari vaibva kundudzi dzose pasi pedenga.

6. Vakati vanzwa mutinhiro uyu, vazhinji vakaungana pamwe chete vachishamiswa, nokuti mumwe nomumwe akavanzwa vachitaura norurumi rwake chairwo.

7. Vakashamiswa kwazvo, vakabvunzana vachiti, “Ko, vanhu ava vose havasi vaGarirea here vari kutaura?

8. Zvino seiko mumwe nomumwe wedu achivanzwa nomutauro waakaberekwa nawo?

9. VaPatio, vaMedhia navaEramu; navanogara Mesopotamia, Judhea neKapadhokia, Pondasi neEzhia,

Mabasa Avapostori 2