33. Akasimudzirwa kuruoko rworudyi rwaMwari, akagamuchira kubva kuna Baba chipikirwa choMweya Mutsvene uye akadurura izvi zvamuri kuona nokunzwa iye zvino.
34. Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi iye akati:“ ‘Ishe akati kuna She wangu:“Gara kuruoko rwangu rworudyi
35. kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako.”’
36. “Naizvozvo vaIsraeri vose ngavazive izvi: Jesu uyu, wamakaroverera pamuchinjikwa, Mwari akamuita Ishe naKristu.”
37. Vanhu vakati vachinzwa izvozvo, vakabayiwa pamwoyo vakati kuna Petro navamwe vapostori, “Hama, tichaiteiko?”