Mabasa Avapostori 13:44-47 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

44. PaSabata rakatevera rinenge guta rose rakaungana kuzonzwa shoko raShe.

45. VaJudha vakati vaona vanhu vazhinji, vakazadzwa negodo vakataura zvakaipa pamusoro pezvakanga zvichitaurwa naPauro.

46. Ipapo Pauro naBhanabhasi vakavapindura vasingatyi vakati, “Zvanga zvakafanira kuti titaure shoko raMwari kwamuri imi kutanga. Sezvo mariramba uye mukasazviona savanhu vakafanira upenyu husingaperi, tava kuenda zvino kuvaHedheni.

47. Nokuti izvi ndizvo zvakarayirwa kwatiri naShe achiti:“ ‘Ndakakuitai chiedza kuvaHedheni,kuti muvigire migumo yenyika ruponeso.’ ”

Mabasa Avapostori 13