12. Izvi zvakati zvajeka kwaari, akaenda kumba kwaMaria mai vaJohani, anonziwo Mako, uko kwakanga kwakaungana vanhu vazhinji vachinyengetera.
13. Petro akagogodza pamukova wokunze, musikana ainzi Rodha akauya kuzodaira kugogodza uku.
14. Akati anzwa kuti inzwi raPetro, akafara zvikuru akadzokera achimhanya asati atongozarura musuo akavaudza akati, “Petro ari pamukova!”
15. Vakati kwaari, “Wava kupenga.” Paakaramba achisimbisisa kuti zvakanga zviri izvo, ivo vakati, “Anofanira kunge ari mutumwa wake.”
16. Asi Petro akaramba achigogodza, uye vakati vazarura mukova, vakamuona vakashamiswa.