5. Zvino tuma vanhu kuJopa vandodana murume anonzi Simoni, achinziwo Petro.
6. Ari kugara naSimoni musuki wamatehwe, ane imba iri pedyo negungwa.”
7. Mutumwa waakanga achitaura naye akati aenda, Koniriasi akadana varanda vake vaviri nomumwe murwi akatendeka uyo aiva mumwe wavachengeti vake.
8. Akavarondedzera zvose zvakanga zvaitika ndokuvatuma kuJopa.
9. Nenguva dzinenge dzamasikati dzezuva raitevera, vachiri parwendo rwavo, uye voswedera pedyo neguta, Petro akakwira pamusoro pedenga reimba kundonyengetera.
10. Akanzwa nzara uye akada zvokudya, uye zvokudya zvakati zvichigadzirwa, akaona chiratidzo.