3. Mumwe musi panguva inenge yechitatu masikati akaona chiratidzo. Akanyatsoona mutumwa waMwari, uyo akauya kwaari akati, “Koniriasi!”
4. Koniriasi akatarisa kwaari achitya, akati, “Chinyiko, Ishe?”Mutumwa akapindura akati, “Minyengetero yako nezvipo zvako kuvarombo zvakwira kudenga sechipiriso chechirangaridzo pamberi paMwari.
5. Zvino tuma vanhu kuJopa vandodana murume anonzi Simoni, achinziwo Petro.
6. Ari kugara naSimoni musuki wamatehwe, ane imba iri pedyo negungwa.”
7. Mutumwa waakanga achitaura naye akati aenda, Koniriasi akadana varanda vake vaviri nomumwe murwi akatendeka uyo aiva mumwe wavachengeti vake.
8. Akavarondedzera zvose zvakanga zvaitika ndokuvatuma kuJopa.
9. Nenguva dzinenge dzamasikati dzezuva raitevera, vachiri parwendo rwavo, uye voswedera pedyo neguta, Petro akakwira pamusoro pedenga reimba kundonyengetera.
10. Akanzwa nzara uye akada zvokudya, uye zvokudya zvakati zvichigadzirwa, akaona chiratidzo.
11. Akaona denga razarurwa uye chimwe chinhu chakanga chakaita sejira guru chichiburutswa pasi chakasungwa makona acho mana.
12. Chakanga chine mhando dzose dzemhuka dzina makumbo mana, pamwe chete nezvinokambaira zvenyika, neshiri dzedenga.
13. Ipapo inzwi rakati kwaari, “Simuka, Petro. Baya udye.”