Vakati vasvika, vakakwira kuimba yapamusoro kukamuri ravaigara. Vakanga varipo vaiti, Petro, Johani, Jakobho naAndirea; Firipi naTomasi, Bhatoromeo naMateo; Jakobho mwanakomana waArifiasi naSimoni muZeroti, uye naJudhasi mwanakomana waJakobho.