Kuungudza Kwajeremia 5:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Rangarirai Jehovha, zvakatiwira; tarirai, mugoona kunyadziswa kwedu.

2. Nhaka yedu yakapiwa kuvatorwa, misha yedu kumabvakure.

3. Tava nherera, hatina vabereki, vanamai vedu sechirikadzi.

4. Tinofanira kutenga mvura yatinonwa; huni dzedu dzinongowanikwa chete nomutengo.

5. Avo vanotidzinganisa vari pedyo pedyo; taneta uye hatina zororo.

6. Takazviisa pasi peIjipiti neAsiria, kuti tiwane kudya kwakakwana.

7. Madzibaba edu akatadza uye vakafa, uye tava kurangwa nokuda kwavo.

Kuungudza Kwajeremia 5