9. Akadzivirira nzira yangu namatombo; akaminamisa nzira dzangu.
10. Sebere rakavandira, seshumba yakavanda,
11. akandikwekweredza kubva munzira nokundibvarura-bvarura. akandisiya ndisina rubatsiro.
12. Akawembura uta hwake akandiita chinhu chinonangwa chemiseve yake.
13. Akabaya mwoyo wangu nemiseve yaibva mugoba rake.
14. Ndakava chiseko chavanhu vangu vose; vakandihomera nenziyo pazuva rose.
15. Akandigutsa nomuriwo unovava. uye akandinwisa nduru.
16. Akagura mazino angu nerukangarabwe; akanditsokodzera muguruva.
17. Ndakatorerwa rugare; ndakakanganwa kuti kubudirira chii.