Kuungudza Kwajeremia 3:39-56 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

39. Ko, munhu mupenyu anonyunyutirei kana arangwa nokuda kwezvivi zvake?

40. Ngatinzverei nzira dzedu uye ngatidziedzei, uye ngatidzokerei kuna Jehovha.

41. Ngatisimudzei mwoyo yedu namaoko edu kuna Mwari ari kudenga, tigoti:

42. “Takatadza uye takakumukirai uye imi hamuna kukanganwira.

43. Makazvifukidza nokutsamwa mukadzingana nesu; makauraya musinganzwiri ngoni.

44. Makazvipfukidza negore kuti kurege kuva nomunyengetero ungasvikako.

45. Makatiita marara netsvina pakati pendudzi.

46. “Vavengi vedu vose vakashama miromo yavo kwazvo kuti vatituke.

47. Takawirwa nokutya uye takateyiwa nehunza, kuparara nokuparadzwa kukuru.”

48. Hova dzemisodzi dzinoyerera kubva mumaziso angu, nokuti vanhu vangu vaparadzwa.

49. Meso angu acharamba achiyerera misodzi, pasina zvinoyamura,

50. kusvikira Jehovha aringira pasi kubva kudenga akaona.

51. Zvandinoona zvinochemedza mweya wangu. nokuda kwavakadzi vose veguta rangu.

52. Avo vakanga vari vavengi vangu ini ndisina mhaka vakandivhima seshiri.

53. Vakaedza kundiuraya mugomba uye vakapotsera matombo kwandiri;

54. mvura zhinji yakafukidza musoro wangu, uye ndakafunga kuti ndava pedyo nokufa.

55. Ndakadana zita renyu, imi Jehovha, ndiri mugomba rakadzika.

56. Makanzwa kukumbira kwangu: “Regai kudzivira nzeve dzenyu pandinochemera rubatsiro.”

Kuungudza Kwajeremia 3