Kuungudza Kwajeremia 3:33-51 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

33. Nokuti haafariri kuuyisa kurwadziwa kana kusuwa kuvana vavanhu.

34. Kutsikira pasi petsoka vasungwa vose venyika,

35. kurambira munhu kodzero yake pamberi poWokumusoro-soro,

36. kutadzisa munhu kuwana kururamisirwa kwake ko, Ishe haangaoni zvinhu zvakadai here?

37. Ndiani angataura akaita kuti zviitike kana Ishe asina kuzvirayira?

38. Ko, hazvibvi mumuromo woWokumusoro-soro here zvose zvakaipa nezvinhu zvakanaka zvinouya?

39. Ko, munhu mupenyu anonyunyutirei kana arangwa nokuda kwezvivi zvake?

40. Ngatinzverei nzira dzedu uye ngatidziedzei, uye ngatidzokerei kuna Jehovha.

41. Ngatisimudzei mwoyo yedu namaoko edu kuna Mwari ari kudenga, tigoti:

42. “Takatadza uye takakumukirai uye imi hamuna kukanganwira.

43. Makazvifukidza nokutsamwa mukadzingana nesu; makauraya musinganzwiri ngoni.

44. Makazvipfukidza negore kuti kurege kuva nomunyengetero ungasvikako.

45. Makatiita marara netsvina pakati pendudzi.

46. “Vavengi vedu vose vakashama miromo yavo kwazvo kuti vatituke.

47. Takawirwa nokutya uye takateyiwa nehunza, kuparara nokuparadzwa kukuru.”

48. Hova dzemisodzi dzinoyerera kubva mumaziso angu, nokuti vanhu vangu vaparadzwa.

49. Meso angu acharamba achiyerera misodzi, pasina zvinoyamura,

50. kusvikira Jehovha aringira pasi kubva kudenga akaona.

51. Zvandinoona zvinochemedza mweya wangu. nokuda kwavakadzi vose veguta rangu.

Kuungudza Kwajeremia 3