Kuungudza Kwajeremia 3:33-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

33. Nokuti haafariri kuuyisa kurwadziwa kana kusuwa kuvana vavanhu.

34. Kutsikira pasi petsoka vasungwa vose venyika,

35. kurambira munhu kodzero yake pamberi poWokumusoro-soro,

36. kutadzisa munhu kuwana kururamisirwa kwake ko, Ishe haangaoni zvinhu zvakadai here?

37. Ndiani angataura akaita kuti zviitike kana Ishe asina kuzvirayira?

38. Ko, hazvibvi mumuromo woWokumusoro-soro here zvose zvakaipa nezvinhu zvakanaka zvinouya?

Kuungudza Kwajeremia 3