Kuungudza Kwajeremia 3:22-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Nokuda kwerudo rukuru rwaJehovha, hatina kuparadzwa, nokuti tsitsi dzake hadzitongoperi.

23. Itsva mangwanani oga oga, kutendeka kwenyu kukuru.

24. Ndinoti kumwoyo wangu, “Jehovha ndiye mugove wangu; naizvozvo ndichamumirira.”

25. Jehovha akanaka kuna avo vanovimba naye, kumunhu anomutsvaka;

26. chinhu chakanaka kumirira ruponeso rwaJehovha unyerere.

27. Chinhu chakanaka kuti munhu atakure joko achiri mudiki.

28. Ngaagare ari oga anyerere, nokuti Jehovha ndiye akariturika paari.

29. Ngaavige chiso chake muguruva, zvimwe tariro ichiripo.

30. Ngaape dama rake kumunhu anomurova, uye ngaazadzwe nenyadzi.

31. Nokuti vanhu havangaraswi naIshe nokusingaperi.

Kuungudza Kwajeremia 3