Kuungudza Kwajeremia 3:21-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Asi izvi ndinozvirangarira mupfungwa uye naizvozvo ndine tariro:

22. Nokuda kwerudo rukuru rwaJehovha, hatina kuparadzwa, nokuti tsitsi dzake hadzitongoperi.

23. Itsva mangwanani oga oga, kutendeka kwenyu kukuru.

24. Ndinoti kumwoyo wangu, “Jehovha ndiye mugove wangu; naizvozvo ndichamumirira.”

25. Jehovha akanaka kuna avo vanovimba naye, kumunhu anomutsvaka;

Kuungudza Kwajeremia 3