Kuungudza Kwajeremia 3:2-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Akandidzingira kure akaita kuti ndifambe murima panzvimbo yomuchiedza;

3. zvirokwazvo, akashandura ruoko rwake kuti rundirwise nguva nenguva, zuva rose.

4. Akasakadza ganda rangu nenyama yangu uye akavhuna mapfupa angu.

5. Akandikomba akandipoteredza neshungu nokurwadziswa.

6. Akandigarisa murima savanhu vakanguri vafa.

7. Akandipfigira kuti ndisapunyuka, akandiremedza nengetani.

Kuungudza Kwajeremia 3