18. Naizvozvo ndinoti, “Kubwinya kwangu kwaenda, uye nezvose zvandanga ndakatarisira kuna Jehovha.”
19. Ndinorangarira kutambudzika kwangu nokudzungaira kwangu, kurwadziwa uye nenduru.
20. Ndinozvirangarira kwazvo, uye mweya wangu wasuruvara mukati mangu.
21. Asi izvi ndinozvirangarira mupfungwa uye naizvozvo ndine tariro:
22. Nokuda kwerudo rukuru rwaJehovha, hatina kuparadzwa, nokuti tsitsi dzake hadzitongoperi.
23. Itsva mangwanani oga oga, kutendeka kwenyu kukuru.
24. Ndinoti kumwoyo wangu, “Jehovha ndiye mugove wangu; naizvozvo ndichamumirira.”
25. Jehovha akanaka kuna avo vanovimba naye, kumunhu anomutsvaka;
26. chinhu chakanaka kumirira ruponeso rwaJehovha unyerere.
27. Chinhu chakanaka kuti munhu atakure joko achiri mudiki.