Joshua 5:9-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Zvino Jehovha akati kuna Joshua, “Nhasi ndabvisa kuzvidzwa kweIjipiti pamuri.” Saka nzvimbo iyoyo yakanzi Girigari, kusvikira nanhasi.

10. Madekwana ezuva regumi namana romwedzi, vaIsraeri vari pamisasa paGirigari pamapani eJeriko, vakapemberera Pasika.

11. Zuva raitevera shure kwePasika, musi wacho chaiwo, vakadya zvimwe zvezvibereko zvenyika iyoyo: chingwa chisina mbiriso nezviyo zvakakangwa.

12. Mana yakabva yaguma musi wakatevera shure kwokudya zvokudya zvenyika iyoyo; vaIsraeri havana kuzova nemanazve, asi vakadya zvibereko zvenyika yeKenani gore iroro.

13. Zvino Joshua akati ava pedyo neJeriko, akasimudza meso ake akaona murume amire pamberi pake akabata munondo wakavhomorwa muruoko rwake. Joshua akaenda kwaari akabvunza achiti, “Uri mumwe wedu here kana wavavengi vedu?”

Joshua 5