Joshua 24:19-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Joshua akapindura vanhu achiti, “Hamungagoni kushumira Jehovha. NdiMwari mutsvene; ndiMwari ane godo. Haangakukanganwirei kumumukira kwenyu nezvivi zvenyu.

20. Kana mukarasa Jehovha, mukashumira vamwari vavatorwa, iye achakupindukirai agouyisa njodzi pamusoro penyu agokuparadzai.”

21. Asi vanhu vakati kuna Joshua, “Kwete! Isu tichashumira Jehovha.”

Joshua 24