Joshua 21:33-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

33. Maguta ose emhuri dzavaGerishoni akanga ari gumi namatatu pamwe chete namafuro awo.

34. Dzimba dzavaMerari (vakasara vavaRevhi) vakapiwa:kubva kurudzi rwaZebhuruni, Jokineami, Katira,

35. Dhimina neNaharari, pamwe chete namafuro awo, maguta mana;

36. kubva kurudzi rwaRubheni, Bhezeri, Jahazi,

37. Kedhemoti neMefaati, pamwe chete namafuro awo, maguta mana;

38. kubva kurudzi rwaGadhi, Ramoti muGireadhi (guta routiziro rouya anenge apomerwa mhosva yokuuraya munhu),

39. Heshibhoni neJazeri, pamwe chete namafuro awo, maguta mana pamwe chete.

40. Maguta ose akanga agoverwa dzimba dzavaMerari, avo vakanga vari vaRevhi vakasara, akanga ari gumi namaviri.

Joshua 21