Joshua 2:19-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Ani naani anobuda mumba mako achienda panze, ropa rake richava pamusoro wake, isu hatizova nemhosva. Asi wose anenge ari mumba pamwe chete newe, ropa rake richava pamisoro yedu kana pakangowana anomubata chete.

20. Asi ukangoreva zvatiri kuita, tichasunungurwa pamhiko yawatipikisa.”

21. Iye akapindura akati, “Ngazviitwe sokutaura kwenyu.” Naizvozvo akavati ivo vaende ivo ndokuenda. Ipapo akabva asungirira tambo tsvuku pawindo.

22. Pavakabva, vakaenda mumakomo vakagaramo kwamazuva matatu, kusvikira vateveri vatsvaka nzira yose vakavashaiwa vakadzoka.

23. Ipapo varume vaviri vaya vakatanga kudzokera. Vakadzika kubva muzvikomo ndokuyambuka rwizi vakasvika kuna Joshua mwanakomana waNuni vakamuudza zvose zvakanga zvaitika kwavari.

24. Vakati kuna Joshua, “Zvirokwazvo Jehovha aisa nyika yose mumaoko edu; vanhu vose vari kugwagwadza nokutitya.”

Joshua 2