Joshua 19:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mugove wechipiri wakapiwa kuna Simeoni, imba neimba. Nhaka yavo yakanga iri pakati penyika yavaJudha.

2. Nhaka yavo yaisanganisira:Bheerishebha (kana kuti Shebha),

3. Hazari Shuari, Bhara, Ezemi,

4. Eritoradhi, Bheturi, Homa,

5. Zikiragi, Bheti Makabhoti, Hazari Susa,

6. Bheti Rebhaoti neShareheni, maguta gumi namatatu nemisha yawo;

7. Aini, Rimoni, Eteri neAshani, maguta mana nemisha yawo,

8. nemisha yose yakanga yakapoteredza maguta ose aya kusvikira kuBhaarati Bheeri (Rama muNegevhi).Iyi ndiyo yakanga iri nhaka yorudzi rwavaSimeoni, mhuri nemhuri.

Joshua 19