1. VaFarisi vakanzwa kuti Jesu akanga achiteverwa navanhu vazhinji uye achibhabhatidza vadzidzi vakawanda kupfuura Johani,
2. kunyange zvake akanga asiri Jesu aibhabhatidza, asi vadzidzi vake.
3. Ishe akati anzwa izvi, akabva kuJudhea akadzokera kuGarirea zvakare.
4. Zvino akanga achifanira kupfuura nomuSamaria.
5. Saka akasvika paguta romuSamaria rainzi Saika, pedyo nomunda wakanga wapiwa kuna Josefa nababa vake Jakobho.
6. Tsime raJakobho raiva ipapo, uye Jesu, aneta sezvo akanga achibva parwendo, akagara pasi patsime ipapo. Yakanga iri nguva inenge yechitanhatu.
7. Mukadzi muSamaria akati auya kuzochera mvura, Jesu akati kwaari, “Ndipewo mvura yokunwa?”
8. (Vadzidzi vake vakanga vapinda muguta kuti vandotenga zvokudya.)
9. Mukadzi muSamaria akati kwaari, “Iwe uri muJudha uye ini ndiri muSamaria. Seiko uchikumbira kwandiri mvura yokunwa?” (Nokuti vaJudha havadyidzani navaSamaria.)