Johani 18:31-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

31. Pirato akati, “Mutorei imi mumutonge nomurayiro wenyu.” VaJudha vakaramba vachiti, “Asika, isu hatina mvumo yokuuraya munhu.”

32. Izvi zvakaitika kuitira kuti mashoko akanga ataurwa naJesu achiratidza mafiro aaizoita azadziswe.

33. Ipapo Pirato akadzokerazve mumuzinda, akadana Jesu uye akamubvunza akati, “Ndiwe mambo wavaJudha here?”

34. Jesu akati, “Kufunga kwako woga here kana kuti vamwe vataura newe pamusoro pangu?”

Johani 18