Johani 17:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jesu akati ataura izvi, akatarira kudenga akanyengetera achiti:“Baba, nguva yasvika. Kudzai Mwanakomana wenyu, kuti Mwanakomana wenyu akukudzei.

2. Nokuti makamupa simba pamusoro pavanhu vose kuti ape upenyu husingaperi kuna vose vamakamupa.

3. Zvino uhu ndihwo upenyu husingaperi: kuti vakuzivei imi, Mwari oga wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma.

Johani 17