Johani 15:25-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. Asi uku ndiko kuzadziswa kwezvakanyorwa muMurayiro wavo zvinoti: ‘Vakandivenga ndisina mhosva.’

26. “Kana Munyaradzi asvika, iye wandichatuma kwamuri achibva kuna Baba, iye Mweya wechokwadi anobuda achibva kuna Baba, achapupura nezvangu.

27. Nemiwo munofanira kupupura, nokuti makanga muneni kubva pakutanga.

Johani 15