Johani 14:22-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Ipapo Judhasi (kwete Judhasi Iskarioti) akati, “Asi Ishe, seiko muchida kuzviratidza kwatiri, musingazviratidzi kunyika?”

23. Jesu akapindura akati, “Kana munhu achindida, achateerera kudzidzisa kwangu. Baba vangu vachamuda, uye tichauya kwaari toita ugaro hwedu naye.

24. Uyo asingandidi haateereri kudzidzisa kwangu. Mashoko amunonzwa aya haasi angu; ndeaBaba vakandituma.

25. “Zvose izvi ndazvitaura ndichinemi.

Johani 14