Johani 11:20-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Marita akati anzwa kuti Jesu auya, akabuda kundomuchingamidza, asi Maria akasara mumba.

21. Marita akati kuna Jesu, “Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.

22. Asi ndinoziva kuti kunyange izvozvi Mwari achakupai zvose zvamuchakumbira.”

23. Jesu akati kwaari, “Hanzvadzi yako ichamukazve.”

24. Marita akati, “Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka kwezuva rokupedzisira.”

25. Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka noupenyu. Uyo anotenda kwandiri achararama, kunyange dai akafa;

26. uye ani naani anorarama uye anotenda mandiri haangatongofi. Unotenda here izvi?”

27. Iye akati, “Hongu, Ishe, ndinotenda kuti ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari, uyo akanzi achauya panyika.”

28. Akati ataura izvozvo, akadzokera akandodana parutivi munun'una wake Maria. Akati, “Mudzidzisi ari pano, uye ari kukubvunza.”

29. Maria akati anzwa izvozvo, akasimuka nokukurumidza akaenda kwaari.

Johani 11