Johani 11:16-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Ipapo Tomasi (ainzi Dhidhimo) akati kuvadzidzi vose, “Ngatiendei, kuti tinofawo naye.”

17. Jesu paakasvika akawana Razaro anguva ava muguva kwamazuva mana.

18. Bhetani yaiva makiromita angangosvika matatu kubva muJerusarema,

19. uye vaJudha vazhinji vakanga vauya kuna Marita naMaria kuti vazovanyaradza pakurasikirwa kwavo nehanzvadzi yavo.

20. Marita akati anzwa kuti Jesu auya, akabuda kundomuchingamidza, asi Maria akasara mumba.

21. Marita akati kuna Jesu, “Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.

22. Asi ndinoziva kuti kunyange izvozvi Mwari achakupai zvose zvamuchakumbira.”

23. Jesu akati kwaari, “Hanzvadzi yako ichamukazve.”

24. Marita akati, “Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka kwezuva rokupedzisira.”

25. Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka noupenyu. Uyo anotenda kwandiri achararama, kunyange dai akafa;

26. uye ani naani anorarama uye anotenda mandiri haangatongofi. Unotenda here izvi?”

Johani 11