Johani 1:17-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Nokuti murayiro wakapiwa kubudikidza naMozisi; nyasha nezvokwadi zvakauya kubudikidza naJesu Kristu.

18. Hakuna akamboona Mwari, asi Mwanakomana Iye Mumwe Oga, ari pachipfuva chaBaba, akaita kuti azivikanwe.

19. Zvino uku ndiko kwaiva kupupura kwaJohani vaJudha veJerusarema pavakatuma vaprista navaRevhi kuti vanomubvunza kuti iye aimbova ani.

20. Haana kurega kupupura, asi akanyatsopupura pachena achiti, “Handisini Kristu.”

21. Vakamubvunza vakati, “Zvino ndiwe aniko? Ndiwe Eria here?”Iye akati, “Handizi iye.”“Uri muprofita here?”Akapindura akati, “Kwete.”

22. Pakupedzisira vakati, “Ndiwe aniko? Tipindure tigondotaurira vatituma. Unozviti aniko?”

23. Johani akapindura namashoko omuprofita Isaya achiti, “Ndini inzwi reanodana murenje, richiti, ‘Ruramisai nzira yaShe.’ ”

24. Zvino vamwe vaFarisi vakanga vatumwa

25. vakamubvunza vachiti, “Seiko zvino uchibhabhatidza kana usiri Kristu, kana Eria uye kana Muprofita?”

26. Johani akapindura akati, “Ini ndinobhabhatidza nemvura, asi pakati penyu pamire mumwe wamusingazivi.

27. Ndiye anouya shure kwangu, handikodzeri kusunungura rukanda rweshangu dzake.”

28. Izvi zvose zvakaitika paBhetani mhiri kwaJorodhani, uko kwaibhabhatidzira Johani.

Johani 1