Joere 3:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Mumazuva iwayo, napanguva iyoyo, kana ndichinge ndadzosa pfuma yeJudha neyeJerusarema,

2. ndichaunganidza ndudzi dzose ndigoenda nadzo kuMupata waJehoshafati. Ipapo ndichavatonga nokuda kwenhaka yangu, vanhu vangu vaIsraeri, nokuti vakaparadzira vanhu vangu pakati pendudzi, uye vakagovana nyika yangu.

3. Vakakanda mijenya pamusoro pavanhu vangu, vakatsinhanisa vakomana nezvipfeve; vakatengesa vanasikana kuti vagotenga waini yokuti vanwe.

4. “Zvino ndakakutadzirai chiiko, imi Tire neSidhoni, nemi matunhu ose eFiristia? Muri kundiripira chimwe chinhu chandakaita here? Zvino kana muchindiripira, ini ndichadzosera zvamakaita pamisoro yenyu chaiyo nokukurumidza chaizvo.

5. Nokuti makatora sirivha negoridhe yangu, mukatakurawo midziyo yangu yakanakisisa mukandoiisa kutemberi dzenyu.

6. Makatengesa vanhu veJudha neveJerusarema kuvaGiriki kuti muvaendese kure.

7. “Tarirai, ini ndichavamutsa kubva kunzvimbo dzamakavatengesera, uye ndichadzosera pamisoro yenyu chaiyo zvamakaita.

8. Ndichatengesa vanakomana navanasikana venyu kuvanhu veJudha, uye vachavatengesa kuvaShebha, rudzi rwuri kure.” Jehovha ataura.

9. Paridzirai izvi kundudzi dzose: Gadzirirai hondo! Mutsai varwi! Varwi vose ngavaswedere pedyo varwise.

Joere 3