Jobho 35:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo Erihu akati:

2. “Munofunga kuti izvi zvakarurama here? Iwe zvaunoti, ‘Ndicharuramisirwa naMwari.’

3. Kunyange zvakadaro unomubvunza uchiti, ‘Zvinondibatsirei, uye ndinowaneiko kana nokusatadza.’

4. “Ndinoda kupindura iwe neshamwari dzako dzaunadzo.

5. Tarira kumusoro kudenga uone; nan'anidza makore akakwirira kumusoro.

6. Kana ukatadza, zvinomurwadza zvakadiniko? Kana zvivi zvako zvakawanda, zvinoita sei kwaari?

7. Kana wakarurama, unomupeiko iye, kana kuti anogamuchireiko kubva muruoko rwako?

8. Kuipa kwako kunongobata munhu akaita sewe, uye kururama kwako ndokwavanakomana vavanhu chete.

9. “Vanhu vanoridza mhere vari pasi pomutoro wokumanikidzwa; vanokumbira kusunungurwa kubva muruoko rwoune simba.

10. Asi hakuna munhu anoti, ‘Aripiko Mwari muiti wangu, anopa nziyo panguva yousiku,

11. anodzidzisa zvakawanda kwatiri kupfuura mhuka dzenyika nokutiita vakachenjera kupfuura shiri dzedenga.’

12. Haapinduri kana vanhu vachiridza mhere, nokuda kwokuzvikudza kwavakaipa.

Jobho 35