Jobho 34:20-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Vanofa kamwe kamwe, pakati pousiku; vanhu vanovhundutswa vagoparara; vane simba vanobviswa zvisingaitwi noruoko rwomunhu.

21. “Meso ake ari panzira dzavanhu; anoona nhambwe imwe neimwe yavo.

22. Hakuna nzvimbo ine rima, hakuna mumvuri worufu, pangavanda vaiti vezvakaipa.

23. Mwari haanei nezvokuedzazve vanhu, kuti vauye vamire pamberi pake vagotongwa.

24. Anoparadza vane simba asina kumbobvunza, agogadza vamwe panzvimbo yavo.

25. Nokuti anocherechedza mabasa avo, anovabvisa usiku ivo ndokupwanyika.

26. Anovaranga nokuda kwokuipa kwavo, pavanoonekwa nomunhu wose,

27. nokuti vakatsauka pakumutevera uye havana kuva nehanya kana neimwe yenzira dzake.

28. Vakakonzera kuchema kwavarombo kuti kusvike pamberi pake, saka akanzwa kuchema kwavanoshayiwa.

29. Asi kana akaramba anyerere ndiani angamupa mhosva? Kana akavanza chiso chake, ndianiko angamuona? Zvakadaro iye ari pamusoro pazvose, munhu nendudzi,

30. kuti abvise munhu asina Mwari pakutonga, kuti asaisira vanhu misungo.

31. “Ngatiti munhu oti kuna Mwari, ‘Ndine mhaka asi handichatadzizve.

32. Ndidzidzisei zvandisingagoni kuona; kana ndakaita zvakaipa, handichazviitizve.’

33. Ko, Mwari angafanira kukupa mubayiro sezvaunoda iwe here, zvaunoramba kutendeuka? Unofanira kusarudza iwe, kwete ini; saka nditaurire zvaunoziva.

34. “Imi vanhu vokunzwisisa taurai, vanhu vakachenjera munondinzwa muti kwandiri,

35. ‘Jobho anotaura asina zivo; mashoko ake haana uchenjeri.’

36. Haiwa, dai Jobho aedzwa kusvikira pakupedzisira, nokuti anopindura somunhu akaipa!

37. Pachivi chake anowedzera kumukira; anouchira maoko ake pakati pedu sezvisina basa, uye anowedzera mashoko ake okurwa naMwari.’

Jobho 34