6. Vakamanikidzwa kuti vagare mukati mehova dzakaoma, pakati pamatombo nomumakomba, muvhu.
7. Vakarira pakati pamakwenzi, uye vakamanikidzana pasi porukato.
8. Vakanga vari vanhu vakazvidzika vasina zita, vakadzingwa kubva munyika.
9. “Uye zvino vanakomana vavo vanondiseka munziyo; ndava shumo pakati pavo.
10. Vanondisema uye vanomira kure neni; havazezi kundipfira kumeso.
11. Sezvo zvino Mwari akatsudunura uta hwangu uye akanditambudza, havazvidzori pamberi pangu.
12. Kurudyi rwangu rudzi runondirwisa; vanoisira makumbo angu misungo, vanovaka michinjiziri yokurwa neni.
13. Vanoparadza mugwagwa wangu; vanobudirira pakundiparadza, pasina munhu anovabatsira.
14. Vanofamba zvavo kunge vanopinda napakakoromoka; pakati pamatongo vanongopinda zvavo.
15. Zvinotyisa zvinondibata; kukudzwa kwangu kwabviswa sokunge nemhepo, kuchengetedzeka kwangu kwapera segore.
16. “Uye zvino upenyu hwangu hwava kure kure; mazuva okutambudzika anondibata.
17. Usiku hunobaya mapfupa angu; kurwadza kwokurumwa kwangu hakuzorori.
18. Nesimba rake guru Mwari anobva afanana nechipfeko kwandiri; anondisunga somutsipa wenguo yangu.
19. Anondikanda mumatope, uye ndava seguruva namadota.
20. “Ndinochema kwamuri, imi Mwari, asi hamundipinduri; ndinosimuka, asi munongonditarisa zvenyu.
21. Munondishandukira noutsinye; munondirova nesimba roruoko rwenyu.
22. Munondibvuta mondidzingira pamberi pemhepo; munonditenderedza mudutu.
23. Ndinoziva kuti muchandiburutsa muchindiendesa kurufu, kunzvimbo yakatsaurirwa vapenyu vose.
24. “Zvirokwazvo, hakuna munhu anobata munhu ari kushushikana paanochemera rubatsiro pakutambudzika kwake.