Jobho 30:26-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. Kunyange zvakadaro, pandakanga ndakarindira zvakanaka, zvakaipa zvakasvika; pandakatarisira chiedza, ipapo rima rakasvika.

27. Kumonyoroka kwoura hwangu hakumbomiri; mazuva okutambudzika anondivinga.

28. Ndinodzungaira ndichisvibiswa, asi kwete nezuva; ndinosimuka pakati peungano ndichichemera rubatsiro.

29. Ndava hama yamakava, neshamwari yamazizi.

30. Ganda rangu riri kusviba uye riri kufunuka; muviri wangu unopisa nefivha.

31. Mbira dzangu dzashanduka dzikava kuchema, uye nyere yangu yava inzwi rokuungudza.

Jobho 30