25. Ko, handina kuchema avo vaitambura here? Ko, mweya wangu hauna kuva neshungu pamusoro pavarombo here?
26. Kunyange zvakadaro, pandakanga ndakarindira zvakanaka, zvakaipa zvakasvika; pandakatarisira chiedza, ipapo rima rakasvika.
27. Kumonyoroka kwoura hwangu hakumbomiri; mazuva okutambudzika anondivinga.
28. Ndinodzungaira ndichisvibiswa, asi kwete nezuva; ndinosimuka pakati peungano ndichichemera rubatsiro.
29. Ndava hama yamakava, neshamwari yamazizi.