4. Zuva iroro ngarishanduke rive rima; Mwari wokudenga ngaarege kuva nehanya naro; Chiedza ngachirege kuvhenekera pamusoro paro.
5. Rima nomumvuri wakasviba ngazviritore zvakare; gore ngarigare pamusoro paro; kusviba ngakufukidze chiedza charo.
6. Usiku uhwo rima guru ngaribate; ngahurege kuverengwa pakati pamazuva egore kana kunyorwa pamwedzi ipi zvayo.
7. Usiku uhwo ngahushaye zvibereko; ngaparege kunzwika kupembera kwomufaro mahuri.
8. Vanotuka mazuva ngavatuke zuva iro, vaya vakagadzirira kumutsa Chikara Chikuru cheGungwa.
9. Nyeredzi dzahwo dzamangwanani ngadzisvibe; ngahumirire chiedza chamasikati pasina uye ngahurege kuona hwerazuva hwamambakwedza;
10. nokuti hahuna kundipfigira mikova yechizvaro kuti huvanze dambudziko pamberi pangu.
11. “Ko, ndakaregererei kufa pakuberekwa kwangu, nokufa pandaibuda mudumbu?
12. Mabvi akavapo seiko kuti andigamuchire namazamu kuti ndinwe?