1. Shure kwaizvozvo, Jobho akashamisa muromo wake ndokutuka zuva rokuberekwa kwake.
2. Akati:
3. “Zuva rokuberekwa kwangu ngariparare, uye nousiku hwakanzi, ‘Kwaberekwa mwanakomana!’
4. Zuva iroro ngarishanduke rive rima; Mwari wokudenga ngaarege kuva nehanya naro; Chiedza ngachirege kuvhenekera pamusoro paro.
5. Rima nomumvuri wakasviba ngazviritore zvakare; gore ngarigare pamusoro paro; kusviba ngakufukidze chiedza charo.
6. Usiku uhwo rima guru ngaribate; ngahurege kuverengwa pakati pamazuva egore kana kunyorwa pamwedzi ipi zvayo.
7. Usiku uhwo ngahushaye zvibereko; ngaparege kunzwika kupembera kwomufaro mahuri.
8. Vanotuka mazuva ngavatuke zuva iro, vaya vakagadzirira kumutsa Chikara Chikuru cheGungwa.
9. Nyeredzi dzahwo dzamangwanani ngadzisvibe; ngahumirire chiedza chamasikati pasina uye ngahurege kuona hwerazuva hwamambakwedza;
10. nokuti hahuna kundipfigira mikova yechizvaro kuti huvanze dambudziko pamberi pangu.
11. “Ko, ndakaregererei kufa pakuberekwa kwangu, nokufa pandaibuda mudumbu?
12. Mabvi akavapo seiko kuti andigamuchire namazamu kuti ndinwe?
13. Nokuti zvino ndingadai ndakavata murugare; ndingadai ndivete uye ndakazorora
14. namadzimambo namakurukota enyika, vakazvivakira nzvimbo dzava matongo zvino,