Jobho 3:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Shure kwaizvozvo, Jobho akashamisa muromo wake ndokutuka zuva rokuberekwa kwake.

2. Akati:

3. “Zuva rokuberekwa kwangu ngariparare, uye nousiku hwakanzi, ‘Kwaberekwa mwanakomana!’

4. Zuva iroro ngarishanduke rive rima; Mwari wokudenga ngaarege kuva nehanya naro; Chiedza ngachirege kuvhenekera pamusoro paro.

5. Rima nomumvuri wakasviba ngazviritore zvakare; gore ngarigare pamusoro paro; kusviba ngakufukidze chiedza charo.

6. Usiku uhwo rima guru ngaribate; ngahurege kuverengwa pakati pamazuva egore kana kunyorwa pamwedzi ipi zvayo.

7. Usiku uhwo ngahushaye zvibereko; ngaparege kunzwika kupembera kwomufaro mahuri.

8. Vanotuka mazuva ngavatuke zuva iro, vaya vakagadzirira kumutsa Chikara Chikuru cheGungwa.

9. Nyeredzi dzahwo dzamangwanani ngadzisvibe; ngahumirire chiedza chamasikati pasina uye ngahurege kuona hwerazuva hwamambakwedza;

10. nokuti hahuna kundipfigira mikova yechizvaro kuti huvanze dambudziko pamberi pangu.

11. “Ko, ndakaregererei kufa pakuberekwa kwangu, nokufa pandaibuda mudumbu?

12. Mabvi akavapo seiko kuti andigamuchire namazamu kuti ndinwe?

Jobho 3