3. mwenje wake pawaivhenekera pamusoro pangu uye ndaivhenekerwa nechiedza chake ndichifamba murima!
4. Haiwa, iwo mazuva andakanga ndichine simba, ushamwari hwaMwari chaihwo huchiropafadza imba yangu,
5. Wamasimba Ose paakanga achineni uye vana vangu pavakanga vakandipoteredza,
6. painyorovedzwa nzira yangu noruomba, uye dombo richindidururira hova dzamafuta omuorivhi.
7. “Pandakaenda kusuo reguta ndikandogara muchivara,
8. majaya akandiona akatsaukira parutivi uye vatana vakasimuka;
9. makurukota akaramba kutaura akafumbira miromo yavo namaoko avo;
10. manzwi amakurukota akanyararidzwa, uye ndimi dzavo dzikanamira kumusoro kwemiromo yavo.
11. Vose vakandinzwa vakataura zvakanaka pamusoro pangu, uye vose vakandiona vakandirumbidza,
12. nokuti ndakarwira varombo vaichemera rubatsiro, uye nherera dzakanga dzisina anobatsira.
13. Munhu akanga afa akandiropafadza; ndakaita kuti mwoyo wechirikadzi uimbe.
14. Ndakafuka kururama sechipfeko changu; kururamisira kwaiva nguo yangu nenguwani yangu.