1. Jobho akapfuurira mberi nokutaura kwake achiti:
2. “Haiwa ndinoshuva sei mwedzi yakapfuura, iwo mazuva andairindira naMwari,
3. mwenje wake pawaivhenekera pamusoro pangu uye ndaivhenekerwa nechiedza chake ndichifamba murima!
4. Haiwa, iwo mazuva andakanga ndichine simba, ushamwari hwaMwari chaihwo huchiropafadza imba yangu,
5. Wamasimba Ose paakanga achineni uye vana vangu pavakanga vakandipoteredza,
6. painyorovedzwa nzira yangu noruomba, uye dombo richindidururira hova dzamafuta omuorivhi.
7. “Pandakaenda kusuo reguta ndikandogara muchivara,
8. majaya akandiona akatsaukira parutivi uye vatana vakasimuka;